Judges 14:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaɓurukira Ashkeroni, akaʋuraya ʋarume ʋanamakumi matatu kwaʋari, akatora ŋguʋo dzaʋo, akandopa ʋakaɗudzira cirabge hanzu dzaʋo dzakanaka. Asi kutsamŋa kwake kwakaŋga kwamutswa kwaɀo, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba. Akaburuka akaenda kuAshikeroni, akandouraya varume makumi matatu, akakutunura zvinhu zvavo akapa nguo dzavo kuna avo vakadudzira chirahwe. Akatsamwa kwazvo akaenda kumba kwababa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo. Akadzika kuAshikeroni akauraya makumi matatu avarume vomuguta iroro, akapamba zvinhu zvavo, akandopa hanzu dzamabiko kune vaya vakanga varapanura chirahwe chiya. Akagumbuka kwazvo, akadzokera kumusha kwababa vake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
Shona 2009?
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguvo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
Shona SUB 2002 Bible
Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.