Judges 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; ɀino wakaŋga asinecinhu muruʋoko rwake; asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake ɀaakaŋga aita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya waTenzi wakauya paari nesimba guru kwazvo akabva atsemura shumba yacho napakati kunge munhu ari kutsemura mbudzana chaiyo. Asi akanga asina chimwe chinhu mumaoko. Haana kutaurira baba kana amai vake zvaakanga aita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
Shona 2009?
Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana, zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.