Judges 14:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoʋona citunha ceshumba, ndokuʋona ɓumha renyuci mucitunha ceshumba, noʋuci.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure menguva yakati kuti, paakadzokera kundomuona, akatsauka kundoona mutumbi weshumba. Mukati macho makanga mune bumha renyuchi nouchi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakati perei chinguva, Samusoni akadzokera ikoko kundotora mukadzi wake. Akambotsauka munzira achida kundoona chitunha cheshumba chiya wanei mukati meshumba iya mune bumha renyuchi nouchi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
Shona 2009?
Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.