Judges 15:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ŋguʋa ɗuku yakati yapera, paŋguʋa yokukohwa ɀiyo, Samsoni akandoshanyira mukadzi wake, akaɓata mbudzana; akati: Ndinoɗa kupinda kumukadzi waŋgu mumba. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaramba kumutendera kupinda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mushure mechinguva, panguva yokukohwa gorosi, Samusoni akatora mbudzana akaenda kundoshanyira mukadzi wake. Iye akati, “Ndinoda kupinda mumba nomukadzi wangu.” Asi baba vomukadzi wake havana kumutendera kupinda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwati perei chinguva, yave nguva yokukohwa koroni, Samusoni akaenda kundobvakachira mukadzi wake akamuigira mbudzana. Akasvikoti, “Ndava kudawo kuchipinda mumba nomukadzi wangu.” Asi vatezvara vake vakaramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, “Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba.” Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.
Shona 2009?
Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, "Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba." Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.
Shona SUB 2002 Bible
Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, “Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba.” Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda.