Judges 15:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋarume ʋaJuda ʋakaŋga ʋaneɀuru ɀitatu ʋakaɓurukira kuɓako reɗombo reEtami, ʋakati kunaSamsoni: Hauziʋi kuti ʋaFiristia ʋaɓati ʋeɗu here? Cinyiko ici cawatiitira? Akati kwaʋari: Seɀaʋakandiitira ini, ndiɀo ɀandakaʋaitira ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varume zviuru zvitatu vaibva kuJudha vakaburuka kubako reEtami vakandoti kuna Samusoni, “Ko, haunzwi here kuti vaFiristia vanotitonga? Chiiko chawatiitira?” Akapindura akati, “Ndakangovaitira zvavakandiitira.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume zviuru zvitatu vedzinza rokwaJudha vakadzika kubako rokuEtamu vakandoti kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia ndivo vanotitonga here? Zvino chii chawakatiparira ichi?” Iye akati, “Ndiri kuvatsividza zvavakandiitira.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira?” Akati kwavari, “Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.”
Shona 2009?
Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, "Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira?" Akati kwavari, "Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, “Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chiiko ichi chawatiitira?” Akati kwavari, “Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo.”