Judges 15:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakaŋga ruri muruʋoko rwake; nɀimbo iyo ikanzi: Ramati‐rehi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati apedza kutaura, akakanda rushaya kure; uye nzvimbo ikanzi Ramati Rehi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapedza kutaura akakanda pasi rushaya rwedhongi rwuya. Nzvimbo iyoyo yakapiwa zita rokuti Ramatirehi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake; nzvimbo iyo ikanzi Ramatirehi.
Shona 2009?
Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake nzvimbo iyo ikanzi Ramafirehi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake; nzvimbo iyo ikanzi Ramati–rehi.