Judges 15:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akanzwa nyota kwaɀo, akacema kunaJehova, akati: Matirwira kwaɀo noruʋoko rwomuranda wenyu; ɀino ndicafa nenyota, ndikawira mumaʋoko aʋasina‐kudziŋgiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nemhaka yokuti akanga ava nenyota chaizvo, akadanidzira kuna Jehovha akati, “Mapa muranda wenyu kukunda kukuru. Zvino ndofira pano nenyota here uye ndigowira mumaoko avasina kudzingiswa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Samusoni akanga afa chaizvo nenyota, akachema kuna Tenzi achiti, “Makasevenzesa ini muranda wenyu kuunza ruponeso urwu rukuru. Ndofa here zvangu nenyota ndichizova mumaoko avanhu vasina kudzingiswa?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, “Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.”
Shona 2009?
Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, "Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, “Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa.”