Judges 15:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino akatuŋgidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muɀiyo ɀaʋaFiristia ɀakaŋga ɀigere kukohiwa, akapisa ɀiyo ɀakaŋga ɀaʋuŋganidzwa neɀakaŋga ɀigere kukohiwa, neminda yemizambiriŋga neyemiorivi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatungidza mazhenje akaregedza makava akapinda muzviyo zvavaFiristia zvakanga zvimire. Akapisa zviyo zvakanga zvakohwewa nezvakanga zvimire mumunda, pamwe chete neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakatungidza mazhenje omoto aya, akabva ati makava iwayo muminda yavaFirisitia isati yakohwiwa, sunde. Ndokupisa kwaakaita zvisote zvekoroni nembesanwa dzakanga dzakamira muminda, pamwechete neminda yemagirepisi neyemiorivhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
Shona 2009?
Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohwiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi.