Judges 15:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋaFiristia ʋakati: Ndianiko waita iɀoɀo? Ʋakati: NdiSamsoni, mukuwasha womuTimna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamŋari yake. Ɀino ʋaFiristia ʋakakwira, ʋakamupisa iye mukadzi naɓaɓa ʋake nomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaFiristia pavakabvunza kuti, “Ndianiko aita izvi?” vakaudzwa kuti, “NdiSamusoni, mukuwasha, womuTimina, nemhaka yokuti mukadzi wake akapiwa kushamwari yake.” Saka vaFiristia vakaenda vakandomupisa iye nababa vake vakafa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaFirisitia vakabvunzana vachiti, “Ndianiko aita izvi?” Zvikanzi, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna uya nokuti vatezvara vake vakatora mukadzi wake vakamupa kune mumwe aiva muperekedzi wake.” VaFirisitia vakaendako, vakapisa nomoto mukadzi iyeyo nababa wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vaFirisitia vakati, “Ndianiko waita izvozvo?” Vakati, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake.” Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.
Shona 2009?
Ipapo vaFirisitia vakati, "Ndianiko waita izvozvo?" Vakati, "NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake." Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vaFirisitia vakati, “Ndianiko waita izvozvo?” Vakati, “NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake.” Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto.