Judges 16:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Derira akati kunaSamsoni: Kuȿikira ɀino wakaŋga uciŋgondiɗaɗira, ucindireʋera nhema; cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ukarukira mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro waŋgu pamŋe cete nomuceka unorukwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.”
Shona 2009?
Dherira akati kuna Samusoni, "Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?" Akati kwaari, "Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa."
Shona SUB 2002 Bible
Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.”