Judges 16:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Ɀino uŋgataura seiko uciti: Ndinokuɗa, kana mŋoyo wako usiŋganditendi? Ɀino wandiɗaɗira katatu, usiŋgandiʋudzi kuti simba rako guru rinobvepi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dheraira akati kwaari, “Ungagoti unondida seiko, iwe mwoyo wako uri kurekure neni? Rwendo runo rwava rwechitatu, uchindiita zvako rema, usingandiudze kunobva simba rako guru rakadai.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Zvino ungataura seiko uchiti, ‘Ndinokuda, kana mwoyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?’ ”
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Zvino ungataura seiko uchiti, `Ndinokuda, kana moyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?' "
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Zvino ungataura seiko uchiti, ‘Ndinokuda, kana mwoyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?’ ”