Judges 16:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akamuʋudza nomŋoyo wake wose akati kwaari: Musoro waŋgu hauna‐kutoŋgoʋeʋurwa neciȿo, nokuti ndiri muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu; kana ndikaʋeʋurwa, simba raŋgu ricabva kwandiri, ndiŋgashaiwa simba, ndikaita somumŋe munhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akamuudza nomwoyo wake wose akati kwaari, “Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.”
Shona 2009?
Akamuudza nomoyo wake wose akati kwaari, "Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu."
Shona SUB 2002 Bible
Akamuudza nomwoyo wake wose akati kwaari, “Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.”