Judges 16:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Derira wakati aʋona kuti wamuʋudza nomŋoyo wake wose, akatuma munhu kundoɗana madzishe aʋaFiristia, akati: Kwirai henyu ʋuno ŋguʋa ino, nokuti wandiʋudza nomŋoyo wake wose. Ipapo madzishe aʋaFiristia akakwira kwaari, ʋakaʋuya nemari mumaʋoko aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dheraira paakangoona kuti Samusoni azomudurira pachena zvaiva mumwoyo make chaizvo, akatumira nhume kumadzishe avaFirisitia achiti, “Chibvai mauya, nokuti rwendo runo andifushunurira pachena zviri mumwoyo make.” Madzishe evaFirisitia akabva auya kwaari, vakabata mari iya mumaoko.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomwoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, “Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomwoyo wake wose.” Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.
Shona 2009?
Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, "Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomoyo wake wose." Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomwoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, “Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomwoyo wake wose.” Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.