Judges 16:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaGaza ʋakaʋudzwa, ɀicinzi: Samsoni waȿika pano. Iʋo ʋakamukomba, ʋakamuʋandira ʋusiku bgose pasuʋo reguta, ʋakaramba ʋanyerere ʋusiku bgose, ʋaciti: Maŋgwana kana kwaedza ticamuʋuraya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu veGaza vakaudzwa kuti, “Samusoni ari pano!” Saka vakakomba nzvimbo iyo vakamuvandira usiku pasuo reguta. Havana kumbosuduruka panguva yousiku vachiti, “Tichamuuraya panguva yamambakwedza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokuGaza vakaudzwa kuti “Samusoni akauya kuno.” Vakapoteredza paakanga ari, vakamugaririrawo pasuwo guru reguta. Vakaramba vakati mwiro usiku hwose, vachiti, “Ngatimumirirei kusvikira kwaedza, tozomuuraya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, “Samusoni wasvika pano.” Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, “Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.”
Shona 2009?
VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, "Samusoni wasvika pano." Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, "Mangwana kana kwaedza tichamuuraya."
Shona SUB 2002 Bible
VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, “Samusoni wasvika pano.” Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuwo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, “Mangwana kana kwaedza tichamuuraya.”