Judges 16:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, “Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura;” asi wakanga asingazivi kuti Jehovha wakanga abva kwaari.
Shona 2009?
Akati, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, "Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura," asi wakanga asingazivi kuti lehovha wakanga abva kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Akati, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, “Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura;” asi wakanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva kwaari.