Judges 16:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino madzishe aʋaFiristia akaʋuŋgana pamŋe cete kuzoɓayira Dagoni mŋari waʋo ciɓayiro cikuru, ndokufara; nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu Samsoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzishe avaFirisitia akakokorodzana kuzopira Dhagoni mwari wavo chibayiro chomupiro mukuru kwazvo vachipembera nokufara nokuti vaiti, “Mwari wedu aisa mumaoko edu Samusoni muvengi wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.”
Shona 2009?
Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, "Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.”