Judges 16:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mŋoyo yaʋo yakati yofara, ʋakati: Ciɗanai Samsoni, atitambire. Ʋakandoɗana Samsoni mutoroŋgo, akatamba pamberi paʋo, ʋakamuisa pakati pembiru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akavatambira. Vakati vamumisa pakati pembiru,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakati zvino vafarisa, ndokuti, “Tidaidzirei zvedu Samusoni ativaraidze.” Nokudaro vakandotora Samusoni mujeri maakanga ari, akatamba achivavaraidza. Vakamumisa pakati pembiru dzaivamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mwoyo yavo yakati yofara, vakati, “Chidanai Samusoni, atitambire.” Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.
Shona 2009?
Zvino moyo yavo yakati yofara, vakati, "Chidanai Samusoni, atitambire." Vakandodana Samusoni mutirongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mwoyo yavo yakati yofara, vakati, “Chidanai Samusoni, atitambire.” Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.