Judges 16:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Samsoni akaɗana kunaJehova akati: Ishe Mŋari, ndiraŋgarirei henyu, ndisimbisei henyu ŋguʋa ino ɓedzi, imi Mŋari, nditsiʋirwe meso aŋgu maʋiri kuʋaFiristia.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, “Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.”
Shona 2009?
Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, "Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imwi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia."
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, “Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.”