Judges 16:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Samusoni akati, “Regai hangu ndife navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, uye temberi yakaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Samusoni akati, “Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Shona 2009?
Ipapo Samusoni akati, "Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia." Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Samusoni akati, “Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurayiwa naye achiri mupenyu.