Judges 16:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino hama dzake, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakaɓuruka, ʋakamutora, ʋakakwira naye, ndokumuʋiga pakati peZora neEshtaori, pabgiro bgaManoa, ɓaɓa ʋake. Iye wakatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanun'una vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye uye vakandomuviga pakati peZora neEshitori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakoma navanun'una vake navose vemhuri yokwababa wake vakadzikako vakamutora vakauya naye vakamuviga pakati peZora neEshitaori muguva rababa wake Manoa ravaiviga vanhu vavo. Samusoni uyu akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.
Shona 2009?
Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManowa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pahwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga VaIsiraeri makore ana makumi maviri.