Judges 16:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Madzishe aʋaFiristia akakwira kumukadzi, akati kwaari: Munyeŋgetedze, uʋone kunobva simba rake guru, ʋuye kuti tiŋgamukunda sei, kuti timusuŋge timumanikidze; ipapo mumŋe nomumŋe weɗu ucakupa mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chetea.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, “Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.”
Shona 2009?
Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, "Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe."
Shona SUB 2002 Bible
Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, “Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.”