Judges 16:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakaŋga anaʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Iye akaɗambura marunda, seɀinoɗamburwa rwonzi rworucinda kana rwanzwa mŋoto. Naiɀoɀo simba rake harinakuzikanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika.” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.
Shona 2009?
Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa tambo yoruchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.