Judges 17:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akadzosera mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe kunamai ʋake; mai ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, sirveri iyi ndinoitsaurira Jehova, kuti mŋanakomana waŋgu aite nayo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; naiɀoɀo ɀino ndicakudzosera iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati adzorera mashekeri esirivha chiuru nezana rimwe chete, kuna mai vake, ivo vakati, “Ndinotsaurira Jehovha sirivha yangu nomwoyo wose kuti mwanakomana wangu aite chifananidzo chakavezwa nomufananidzo wakaumbwa wesimbi. Ndichazoidzosera kwauri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadzosera amai vake chiuru chiya nezana rimwechete rezvidimbu zvesirivha. Amai vake vakati, “Ini nemwoyo wangu wose ndinoturira kuna Tenzi sirivha iyi ndichireverera mwana wangu kuti kugadzirwe chifananidzo chokuveza chakaumbiridzwa nesirivha. Zvino ndochikudzosera sirivha iyoyo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, “Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.”
Shona 2009?
Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, "Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo."
Shona SUB 2002 Bible
Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, “Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo.”