Judges 18:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino namazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; namazuʋa iwayo ʋaDani ʋakaɀitȿakira nhaka yokugara’mo, nokuti kuȿikira paŋguʋa iyo ʋakaŋga ʋacigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi aʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo Israeri yakanga isina mambo. Uye mumazuva iwayo vorudzi rwavaDhani vakanga vachitsvaka nzvimbo yavo pachavo yavangagara, nokuti vakanga vasati vapiwa nhaka pakati pamarudzi eIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyoyo muIsiraeri makanga musina mambo. Panguva iyoyowo vedzinza rokwaDhani vakanga vachitsvaka nyika yokugara yokuti ive yavo yenhaka. Vaidaro nokuti kusvikira nguva iyoyo vakanga vasati vawana nyika yavo yenhaka pakati pamamwe madzinza evaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nokuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi avaIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nokuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi avaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati paVaIsiraeri; namazuva iwayo vaDhani vakazvitsvakira nhaka yokugaramo, nokuti kusvikira panguva iyo vakanga vachigere kupiwa nhaka pakati pamarudzi aVaIsiraeri.