Judges 18:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋashanu, ʋakaŋga ʋandoshora nyika yeRaishi, ʋakapindura, ʋakati kuhama dzaʋo: Munoziʋa here kuti mudzimba idzi muneefodi, neterafimi, nomufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga? Saka ɀino fuŋgai ɀakanaka ɀamunofanira kuita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo varume vashanu vakanga vandoshora nyika yeRaishi vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti imwe yedzimba idzi ine efodhi, vamwe vamwari, chifananidzo chakavezwa nechifananidzo chakaumbwa? Zvino imi munoziva zvokuita.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vashanu vaya vakamboenda kundosora nyika yeRaishi vakati kune vamwe vavo, “Munomboziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi navamwari vanonzi materafimu nechifananidzo chokunamata chokuveza nechimwe chakaumbwa nesimbi? Saka mongozivawoka zvokuita.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita.”
Shona 2009?
Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, "Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino varume vashanu, vakanga vandoshora nyika yeRaishi, vakapindura, vakati kuhama dzavo, “Munoziva here kuti mudzimba idzi mune efodhi, neterafimi, nomufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa? Saka zvino fungai zvakanaka zvamunofanira kuita.”