Judges 18:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋakatsaukira’ko, ʋakaȿika paimba yejaya muRevi, iyo imba yaMika, ʋakabvunza mufaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka vakatsaukiramo vakaenda kumba kwejaya muRevhi kumba kwaMika vakandomukwazisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakatsaukiramo vakapinda mumba mejaya riya rechiRevhi mumusha waMika vakakwazisana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.
Shona 2009?
Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo vakatsaukirako, vakasvika paimba yejaya muRevhi, iyo imba yaMika, vakabvunza mufaro.