Judges 18:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati kwaari: Nyarara, fumbira muromo wako, uende nesu, uʋe ɓaɓa ʋeɗu nomuprista weɗu; ɀirinani kwauri ndeɀipi, kuti uʋe muprista paimba yomunhu mumŋe cete, kana kuʋa muprista worudzi rwose neimba yose yaʋaIsraeri here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamuti, “Nyarara, usawane chaunomboti bufu, uya tiende tose uve baba nomupristi kwatiri. Chingava nani kwauri ndechipi pane izvi zvokuti, uve mupristi wemhuri yomunhu mumwechete, kana kuti uve mupristi wemhuri dzerimwe dzinza revaIsiraeri?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati kwaari, “Nyarara, pfumbira muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomupristi wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve mupristi paimba yomunhu mumwe chete, kana kuva mupristi worudzi rwose neimba yose yavaIsiraeri here?”
Shona 2009?
Vakati kwaari, "Nyarara, pfumbira muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomuprista wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve muprista paimba yomunhu mumwe chete, kana kuva muprista worudzi rwose neimba yose yavaIsiraeri here?"
Shona SUB 2002 Bible
Vakati kwaari, “Nyarara, pfumbira muromo wako, uende nesu, uve baba vedu nomupristi wedu; zviri nani kwauri ndezvipi, kuti uve mupristi paimba yomunhu mumwechete, kana kuva mupristi worudzi rwose neimba yose yaVaIsiraeri here?”