Judges 18:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaDani ʋakati kwaari: Inzwi rako ŋgarirege kunzwika pakati peɗu, kuti ʋarume ʋaneshuŋgu ʋarege kukuwira, ukarashikirwa noʋupenyu bgako pamŋe cete noʋupenyu bgaʋamŋe ʋeimba yako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaDhani vakapindura vakati, “Usaita nharo nesu, kuti varume vane hasha varege kukurwisa, uye iwe nemhuri yako mukazorasikirwa noupenyu hwenyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaDhani vakati kwaari, “Usatinyaudze, mhoti ungatovingwa izvozvi navane hasha dzisinganonoki vakakupfuudza, ukafa, iwe navanhu vapamana pako ivavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaDhani vakati kwaari, “Izwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwavamwe veimba yako.”
Shona 2009?
Vana vaDhani vakati kwaari, "inzwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwavamwe veimba yako."
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaDhani vakati kwaari, “Izwi rako ngarirege kunzwika pakati pedu, kuti varume vane shungu varege kukuwira, ukarashikirwa noupenyu hwako pamwechete noupenyu hwavamwe veimba yako.”