Judges 18:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakashaiwa unoʋarwira, nokuti ʋakaŋga ʋari kure neZidoni; ʋakaŋga ʋasiŋgafambidzani naʋamŋe ʋanhu; guta rakaŋga riri mumupata uri paBeti‐rehobi. Ʋakaʋaka guta, ʋakagara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pakanga pasina munhu anovanunura nokuti vaigara kure neSidhoni uye vasina ushamwari naani zvake. Guta rakanga riri mumupata waiva pedyo neBheti Rehobhi. VaDhani vakavakazve guta vakagaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hakuna kuwanikwa wokuvanunura nokuti kwaiva kure kwazvo neSidhoni, vakanga vasina wavaidyidzana navo. Guta irori raiva kubani reBhetirehobhu. Vakarivaka patsva, vakagaramo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakashaiwa unovarwira, nokuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti-rehobhi. Vakavaka guta, vakagaramo.
Shona 2009?
Vakashaiwa unovarwira, nokuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti-rehobhi. Vakavaka guta, vakagaramo.
Shona SUB 2002 Bible
Vakashaiwa unovarwira, nokuti vakanga vari kure neZidhoni; vakanga vasingafambidzani navamwe vanhu; guta rakanga riri mumupata uri paBheti–rehobhu. Vakavaka guta, vakagaramo.