Judges 18:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana ʋaDani ʋakaɀimisira mufananidzo uyo wakaʋezwa; Jonatani, mŋanakomana waGershomi, mŋanakomana waMosesi, iye naʋana ʋake ʋakaʋa ʋaprista ʋorudzi rwaʋaDani, kuȿikira pazuʋa rokutapxa kwaʋanhu ʋenyika iyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ikoko vaDhani vakazvimisira chifananidzo, uye Jonatani mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, uye vanakomana vake vakava vaprista vorudzi rwaDhani kusvikira panguva youtapwa hwenyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaDhani ava vakazvimisira chifananidzo chokuveza chiya. Zvino Jonatani mwanakomana waGerishomu mwanakomana waMosesi navana vake vakomana, vaiva vapristi vedzinza rokwaDhani kusvikira zuva rakatapwa vanhu munyika iyoyi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMosesi, iye navana vake vakava vapristi vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.
Shona 2009?
Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, iye navana vake vakava vaprista vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.
Shona SUB 2002 Bible
Vana vaDhani vakazvimisira mufananidzo uyo wakavezwa; Jonatani, mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMosesi, iye navana vake vakava vapristi vorudzi rwavaDhani, kusvikira pazuva rokutapwa kwavanhu venyika iyo.