Judges 18:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋarume ʋashanu ʋakaenda, ʋakaȿika Raishi, ʋakaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋari’mo, kuti ʋagere pasinenjodzi nomutoʋo waʋaZidoni, ʋakagarika, ʋanorugare; kwakaŋga kusinomunhu waiʋa nesimba rokuraira, waimanikidza ʋanhu pacinhu cipi necipi; ʋakaŋga ʋagere kure naʋaZidoni, ʋasiŋgafambidzani naʋamŋe ʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka varume vashanyi vaya vakabvapo vakandosvika kuRaishi, uko kwavakandoona kuti vanhu vakanga vagere zvakanaka, sezvakaita vaSidhoni, vasina chavanofungidzira uye vagere zvakanaka. Uye sezvo nyika yavo yakanga isingashayiwi chinhu, vakanga vakabudirira. Uyezve, vakanga vagere kure nava Sidhoni uye vakanga vasina ushamwari naani zvake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume vashanu ava vakasimudzira rwendo rwavo, vakasvika kuRaishi. Vakaona vanhu veko vari mumutambaratede zvavo, savanhu vokuSidhoni, vari murunyararo zvavo vasina chavanombofungira, vasina nechinhu chapanyika pano chavanoshaya, vaino upfumi vachigara kure nevaSidhoni uye vasina wavaidyidzana navo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino varume vashanu vakaenda, vakasvika Raishi, vakaona vanhu vakanga varimo, kuti vagere pasine njodzi nomutoo wavaZidhoni, vakagarika, vane rugare; kwakanga kusina munhu waiva nesimba rokuraira, waimanikidza vanhu pachinhu chipi nechipi; vakanga vagere kure navaZidhoni, vasingafambidzani navamwe vanhu.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible