Judges 18:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakati: Simukai, tikwire, tindorwa naʋo; nokuti takatarira nyika, tikaʋona kuti yakanaka kwaɀo; munogara seiko musiŋgaiti cinhu? Musaʋa noʋusimbe bgokupinda, kuti nyika iʋe yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapindura vakati, “Uyai, tivarwise! Takaona kuti nyika yacho yakanaka kwazvo. Hamungaiti chimwe chinhu here? Musanonoka kuendako kundoitora.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ivo vakati, “Ngatichitosimukai tiende kundorwisa vanhu ava nokuti nyika iyoyo takaimema tikaona iri nyika yakanaka kwazvo. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba. Regai zvenyu kumboita zvokuverengera kuenda kundopinda munyika iyoyo muitore ive yenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakati, “Simukai, tikwire, tindorwa navo; nokuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.
Shona 2009?
Vakati, "Simukai, tikwire, tindorwa navo; nokuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.
Shona SUB 2002 Bible
Vakati, “Simukai, tikwire, tindorwa navo; nokuti takatarira nyika, tikaona kuti yakanaka kwazvo; munogara seiko musingaiti chinhu? Musava nousimbe hwokupinda, kuti nyika ive yenyu.