Judges 19:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋaȿika pedyo neJebusi, zuʋa rikaŋga roʋira; muranda akati kunatenzi wake: Ŋgatitsaukire heɗu kuguta iri raʋaJebusi, tiʋate’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vava pedyo neJebhusi uye zuva rakanga rovira, muranda akati kuna tenzi wake, “Uyai, titsaukire muguta iri ravaJebhusi tindovatamo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vava padyo neguta reJebhusi, zuva rakanga rava kutodoka. Muranda akati kuna tenzi wake, “Tadii kuchitsaukira zvedu muguta revaJebhusi iri tiraremo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vasvika pedyo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, “Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo.”
Shona 2009?
Zvino vakati vasvika pedo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, "Ngatitsaukire hedu kuguta iri ravaJebhusi, tivatemo."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vasvika pedyo neJebhusi, zuva rikanga rovira; muranda akati kuna tenzi wake, “Ngatitsaukire hedu kuguta iri raVaJebhusi, tivatemo.”