Judges 19:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tenzi wake akati kwaari: Hatiŋgatsaukiri kuguta raʋatorwa, kusinaʋana ʋaIsraeri; asi ticapfuʋura heɗu kuȿikira paGibea.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tenzi wake akapindura akati, “Kwete. Hatingapindi muguta ravatorwa, vanhu varo zvavasiri vaIsraeri. Tichapfuurira kuGibhea.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi wake akati kwaari, “Aiwa, hatingatsaukire muguta ravatorwa vasiri vaIsiraeri, saka ngatipfuurirei kuGibhea.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tenzi wake akati kwaari, “Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhea.”
Shona 2009?
Tenzi wake akati kwaari, "Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana vaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhiya."
Shona SUB 2002 Bible
Tenzi wake akati kwaari, “Handingatsaukiri kuguta ravatorwa, kusina vana VaIsiraeri; asi tichapfuura hedu, kusvikira paGibhia.”