Judges 19:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakatsaukira’ko, ʋaciɗa kuʋata paGibea; akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakaŋga kusinomunhu wakaʋaɗana kuzoʋata mumba make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imomo, ndimo mavakamira kuti vavate. Vakaenda vakandogara muchivara cheguta, asi hapana munhu akavatora akavapinza mumba make usiku.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndimo mavakazotsaukira vorara. Akaenda akandogara panze panhandare. Hapana akanga avatorawo kundovapa pokurara kumba kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhea akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
Shona 2009?
Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhiya akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.
Shona SUB 2002 Bible
Vakatsaukirako, vachida kuvata paGibhia akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakanga kusina munhu wakavadana kuzovata mumba make.