Judges 19:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mutana akaȿika, acibva kuɓasa rake kumunda maɗekwana; ɀino murume uyo wakaŋga ari wenyika yamakomo yaEfraimi, asi wakagara hake paGibea; asi ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakaŋga ʋari ʋaBenjamini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madekwana iwayo, imwe harahwa yaibva munyika yezvikomo yeEfuremu, yaigara muGibhea (vanhu venzvimbo vaiva vaBhenjamini), yakasvika ichibva kubasa rayo kumunda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndipo pakazotiwo nepo tutururu imwe harahwa ichibva kumunda kwayo manheru. Harahwa iyoyi yaibva kunyika yamakomo yokwaEfuraimu aitova muuyi zvake kuGibhea. Asi vanhu vomo vaiva vedzinza rokwaBenjamini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhea; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.
Shona 2009?
Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhiya; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mutana akasvika, achibva kubasa rake kumunda madekwana; zvino murume uyo wakanga ari wenyika yamakomo yaEfuremu, asi wakagara hake paGibhia; asi varume venzvimbo iyo vakanga vari vaBhenjamini.