Judges 19:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akati kwaari: Tinobva Beti‐rehemi‐juda, tinopfuʋurira kurutiʋi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfraimi; ndiko kwandakabva, ndikaenda Beti‐rehemi‐juda, ɀino ndinoenda kumba kwaJehova, asi hakunomunhu wakandiɗana kugara mumba make.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akapindura akati, “Tiri kubva kuBheterehema muJudha; tiri kuenda kure kunyika yezvikomo yeEfuremu, ndiko kwandinogara. Ndakanga ndiri kuBheterehema muJudha, asi iye zvino ndiri kuenda kumba kwaJehovha. Hapana munhu anditora akandipinza mumba make.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akati kwaari, “Tiri kupfuurawo zvedu tichibva kuBheterehemu rokwaJudha, tiri murwendo kuenda kumuchetocheto kwenyika yamakomo yokwaEfuraimu kwandinobva. Rwanga ruri rwendo rwokuenda kuBheterehemu rokwaJudha, zvino ndava kuenda kumba kwangu. Asi iye zvino hapana atipinzawo mumba make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akati kwaari, “Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.
Shona 2009?
Iye akati kwaari, "Tinobva Bheterehemu-judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bheterehemu-judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.
Shona SUB 2002 Bible
Iye akati kwaari, “Tinobva Bhetirehemu–judha, tinopfuurira kurutivi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfuremu; ndiko kwandakabva, ndikaenda Bhetirehemu–judha, zvino ndinoenda kumba kwaJehovha, asi hakuna munhu wakandidana kugara mumba make.