Judges 19:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro tinabgo ʋuswa neɀokudya ɀemboŋgoro dzeɗu, neciŋgwa newaini ɀinondiriŋgana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rinaʋaranda ʋenyu; hakunecinhu cinoshaikwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tine zvose mashanga nouswa hwembongoro dzedu uye chingwa chedu newaini yedu, isu varanda venyu, ini, murandakadzi wenyu, nejaya ratiinaro. Hatina chinhu chatingada hedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uswa nechokudya chamadhongi edu tinazvo. Tine chingwawo newaini. Isu varanda venyu zviri zvokudya tinazvo zvinokwanira ini nemwanasikana wenyu nejaya iri ratinaro. Hapana chatisina.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaiwa.”
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaikwa."
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro tinahwo uswa nezvokudya zvembongoro dzedu, nechingwa newaini zvinondiringana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rina varanda venyu; hakuna chinhu chinoshaiwa.”