Judges 19:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋakati ʋofara pamŋoyo yaʋo, tarirai ʋarume ʋeguta, ʋamŋe ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋakakomba imba kunhiʋi dzose, ʋakagogodza pamukoʋa; ʋakataura nomŋene weimba, iye mutana, ʋakati: Ƃuɗisa murume wakaȿika paimba yako, timuziʋe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vachiri pakufara havo, vamwe vanhu vakaipa vomuguta vakakomba imba. Vachigogodza pamukova, vakadanidzira kuharahwa yakanga iri iyo muridzi weimba vachiti, “Budisa murume uyo apinda mumba mako kuti tivate naye.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavaingunofara zvavo ndokubva madzenga avanhu asvika ndokukomba imba iyi vachigogodza pamusuo ndokuti kuharahwa iya, muridzi vemba, “Buritsa pano panze murume apinda mumba mako, timuite mukadzi wedu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vofara pamwoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, “Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.”
Shona 2009?
Zvino vakati vofara pamoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, "Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vakati vofara pamwoyo yavo, tarirai varume veguta, vamwe vanhu vakaisvoipa, vakakomba imba kunhivi dzose, vakagogodza pamukova; vakataura nomwene weimba, iye mutana, vakati, “Budisa murume wakasvika paimba yako, timuzive.”