Judges 19:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume uyo, mŋene weimba, akaɓuɗa kwaʋari, akati kwaʋari: Kwete, hama dzaŋgu, regai kuita ɀakaipa ɀakaɗai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba maŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muridzi wemba akabuda panze akati kwavari, “Kwete, shamwari dzangu, regai kuita zvakaipa kudai. Sezvo murume uyu ari mueni wangu, regai kuita chinhu ichi chinonyadzisa kudai.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu, muridzi wemba, akabuda panze pavaiva akavati, “Aiwaka, hama dzangu regai kuita chakaipa chikadaro, zvamunongoonawo kuti muenzi auya muimba mangu. Regai kushinhwa zvakadai.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, “Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu.
Shona 2009?
Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, "Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume uyo, mwene weimba akabuda kwavari, akati kwavari, “Kwete, hama dzangu, regai kuita zvakaipa zvakadai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba mangu.