Judges 19:24 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, hoyu mukunda waŋgu mhandara, nomuroŋgo wake; ndicaʋaɓuɗisa ɀino, muʋaɀidze, muʋaitire seɀamunoɗa; asi regai kuitira murume uyu cakaipa cakaɗai.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tarirai, heyi mhandara mwanasikana wangu uyu, uye murongo wake. Ndichavabudisira kwamuri izvozvi, uye munogona kuvabata uye mugoita kwavari zvose zvamunoda. Asi kumurume uyu, regai kuita chinhu chinonyadzisa zvakadaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwaika, pane mwana wangu achiri mhandara nomukadzi womurume iyeyo ndovondoburitsa panze iye zvino, muite zvenyu chakaipa navo chamunoda. Asi kune murume uyu regai kuita unzenza hwakadaro.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda; asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.”
Shona 2009?
Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda, asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai."
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, hoyu mukunda wangu mhandara, nomurongo wake; ndichavabudisa zvino, muvazvidze, muvaitire sezvamunoda; asi regai kuitira murume uyu chakaipa chakadai.”