Judges 19:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ʋarume ʋakaramba kumuterera; ipapo murume akaɓata muroŋgo wake, akamuɓuɗisira kwaʋari; ʋakamuziʋa, ʋakamucinya ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana; ʋakamurega kwoedza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi varume ava havana kuda kumuteerera. Saka murume uyu akatora murongo wake akamuendesa kunze kwavari, uye vakamubata chibharo vakamuchinya usiku hwose, uye panguva dzamambakwedza vakamuregedza kuti aende.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi varume vacho vakaramba kumunzwa. Murume uyu akati murongo wake ndu, ndiye sunde panze kwavari. Vakamubata chibharo vachiita kwaari zvavaida usiku hwose kusvikira mangwanani. Kuzoti ava mambakwedza ndopavakazomurega kuti aende zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza.
Shona 2009?
Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega koedza.
Shona SUB 2002 Bible
Asi varume vakaramba kumuteerera; ipapo murume akabata murongo wake, akamubudisira kwavari; vakamuziva, vakamuchinya usiku hwose kusvikira mangwana vakamurega kwoedza.