Judges 19:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mukadzi akaʋuya kwoedza, akawira pasi pamukoʋa weimba yomunhu, makaŋga munashe wake, akaʋa’po kuȿikira kwaedza kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwaedza, mukadzi akadzokera kumba kwaigara tenzi wake, akawira pasi pamukova wemba uye akavatapo kusvikira kwaedza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwava kuti ngu-u kuedza mukadzi uya akasvikowira pasi pamusuo wemba iya maiva natenzi wake. Akaramba akati rapata ipapo kusvikira zuva rabuda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.
Shona 2009?
Zvino mukadzi akauya koedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mukadzi akauya kwoedza, akawira pasi pamukova weimba yomunhu, makanga munashe wake, akavapo kusvikira kwaedza kwazvo.