Judges 19:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, ʋakamudziʋisa kuenda, akagara naye mazuʋa matatu, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakaʋata’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tezvara vake, ivo baba vomusikana, vakamugombedzera kuti agare; saka akagara naye kwamazuva matatu, vachidya nokunwa uye achivatapo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatezvara vake, baba womusikana uyu vakati mukuwasha wavo ambogara zvake navo. Mukuwasha uyu ndokumbogarawo zvake mazuva naye. Saka vakambodya zvavo vachinwa vachirarapo kwamazuva.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo.
Shona 2009?
Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakamwa, vakavatapo.
Shona SUB 2002 Bible
Mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, vakamudzivisa kuenda, akagara naye mazuva matatu, vakadya, vakanwa, vakavatapo.