Judges 19:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomusi wecinna ʋakamuka maŋgwanani, iye akasimuka aciɗa kuenda; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati kumukuwasha waʋo: Simbisa mŋoyo wako necimeɗu ceciŋgwa, mugoenda henyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pazuva rechina vakamuka mangwanani vakagadzirira kuti vaende, asi baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechokudya; ipapo mugoenda henyu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rechina vakafumomuka, mukuwasha uyu ndokugadzirira kuenda, asi baba vomusikana uyu vakati kumukuwasha wavo, “Madii mambowana kachingwa kwokukanda mukanwa mudzore mwoyo, mugoti moenda zvenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.”
Shona 2009?
Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, "Simbisa moyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomusi wechina vakamuka mangwanani, iye akasimuka achida kuenda; baba vomusikana vakati kumukuwasha wavo, “Simbisa mwoyo wako nechimedu chechingwa, mugoenda henyu.”