Judges 19:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino murume wakati acisimuka, aciɗa kubva, iye nomuroŋgo wake, nomuranda wake, mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, akati kwaari: Tarira, zuʋa roʋira, aʋa maɗekwana, cigara hako ʋusiku bgose; tarira, zuʋa roɗa kupera, ʋata hako pano, mŋoyo wako ufare, mugofumira maŋgwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo murume, murongo wake uye nomuranda wake, vakati vasimuka kuti vaende, tezvara wake, baba vomusikana vakati, “Zvino chiona kwava kudoka. Chivata hako pano usiku huno; kwavira. Gara ufadze mwoyo wako. Mangwana mangwanani, ungamuka ugopinda hako munzira yako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakati achipinda munzira pamwechete nomukadzi wake nomuranda wake, vatezvara vake, baba vomusikana uyu vakati, “Chitarisai muone kunze kwaendaka uku. Zuva rava kutodoka iri. Chirarai zvenyu pano mupedzere usiku huno pano muchifara. Mangwana mofumomuka muchipinda zvenyu murwendo rwenyu muchienda kumusha kwenyu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, “Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, mwoyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.”
Shona 2009?
Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, "Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, moyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino murume wakati achisimuka, achida kubva, iye nomurongo wake, nomuranda wake, mukarahwa wake, ivo baba vomusikana, akati kwaari, “Tarira, zuva rovira, ava madekwana, chigara hako usiku hwose; tarira, zuva roda kupera, vata hako pano, mwoyo wako ufare, mugofumira mangwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu.”