Judges 2:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa waJehovha akakwira achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mutumwa waTenzi akabva kuGirigari akakwidza kuBhokimu. Akati, “Ndakakubvisai kuIjipiti ndikauya nemi kunyika yandakatsidzira kupa kune madzibaba enyu. Ndakati, ‘Handimbozofi ndakatyora chitenderano changu nemi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi;
Shona 2009?
Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, "Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, `Handingatongoputsi sungano yangu nemwi nokusingaperi;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mutumwa waJehovha akabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, “Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, ‘Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi;