Judges 2:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera ʋatoŋgi ʋaʋo, nokuti ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋafugamira; ʋakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madziɓaɓa aʋo, ʋaiterera mirairo yaJehova; asi iʋo haʋana‐kuita saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro vakange vasingateereri vatongi vavo ivavo nokuti vairamba vachingoita unzenza hwokuteveredzana navamwe vamwari vachivapfugamira. Vakanga vasingatani kutsauka nzira yaifambwa namadzibaba avo vaiteerera mitemo yaTenzi. Ivo havana kuita izvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.
Shona 2009?
Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Kunyangwe zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.