Judges 20:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ticatora ʋarume ʋanegumi pazana rimŋe nerimŋe ramarudzi ose aʋaIsraeri, naʋanezana pacuru cimŋe necimŋe, naʋanecuru paɀuru ɀinegumi ɀimŋe neɀimŋe, ʋandotorera ʋanhu mbuʋa, kuti kana ʋaciȿika paGibea raʋaBenjamini ʋaʋaitire ɀakaenzana noʋupenzi bgaʋakaita pakati paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tichatora varume gumi kubva muzana roga roga kubva kumarudzi ose eIsraeri, uye zana kubva muchiuru, uye chiuru kubva mugumi rezviuru, kuti vavigire varwi mbuva. Ipapo, hondo painosvika paGibhea muBhenjamini, ichavapa zvakavafanira zvouipi hwavo uhu hwakaitwa muIsraeri.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazana roga roga ravanhu, mudzinza nedzinza ravaIsiraeri tichasarudza gumi ravarume, pachiuru tichisarudza zana, pagumi rezviuru tichisarudza chiuru. Ndovachaigira vanhu zvokudya. Kana ngavatsividze kuGibhea kwaBhenjamini votsividza mhosva inonyadzisa yakaparwa muIsiraeri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avaIsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhea ravaBhenjamini vavaitirer zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.”
Shona 2009?
Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avalsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhiya ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri."
Shona SUB 2002 Bible
Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose aVaIsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhia ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri.”