Judges 20:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ɀino tipei ʋarume aʋo, ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋari paGibea, tiʋaʋuraye, tibvise ɀakaipa pakati paIsraeri; asi ʋana ʋaBenjamini ʋakaramba kuterera inzwi rehama dzaʋo, iʋo ʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino tipei varume avo vakaipa veGibhea kuti tivauraye tigobvisa chakaipa muIsraeri.” Asi vaBhenjamini havana kuda kuteerera hama dzavo vaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino unzai vanamatatapure vokuGibhea ivavo vasina musoro tivauraye, tibvise uipi hwakadai uhwu muIsiraeri.” Asi vokwaBhenjamini havana kumboteerera zvavo zvakanga zvataurwa nehama dzavo vaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhea, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri;” asi vana vaBhenjamini vakaramba kuterera izwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhiya, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri," asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera inzwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhia, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri;” asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera izwi rehama dzavo, ivo vana VaIsiraeri.